Chembere nevanorarama nehurema vanosvika makumi mashanu vowaniswa ma humber
Wanga urimufaro munzvimbo yeMupfurudzi ward 8 apo kwanga kuchipiwa mahumper kuchembere ne vanorarama nehurema .
Pagungano irikwanga kuine vemadunhu anoti Kavanji, Makarawu, Makamba, Mandere, Mushore, Muchenje, Mucherahohwa, Maringe, Hau, Hore1,2,3, Mupangure, Mbata, Munetsi, Maponga, Madzivanzira, Sanhuki, Chiboiwa, Membere.
Muzvare Melody Gomarago vanogara kunyika yeCanada ndivo vakashamwaridzana naHonarable M.P Chinodakufa mushure mekunge vatendererwa nemutungamiri wenyika VaMunangagwa kuti kana vachinge vawana vanhu vanoda kushamwaridzana nenzira yekubatsira vana vemunzvimbo dzakasiyana siyana vanozviita havo .
Muzvare Gomarago avo vauya na muzvare Mugariri vanova mukoti wepa shamva hospital vabatsirana pakupiwa kwezvekudya kuvagari venzvimbo yeward 8.
Mutori wenhau akwanisa kuita hurukuro naVaNever Dzikatire anorarama nehurema uyo ataura ainemufaro kwazvo kuburikidza nechiitiko aenderera mberi achiti “kumba kwacho kwanga kusisina chinhu uye ndirikutenda Mwari nevanhu vavaunza ava mudunhu mavo”.
Mumiririri wedare re paramende mu Shamva north VaChinodakufa vataura mashoko pagungano iri vakati “ndinoda kuita zvinhu pajekerere munhu wese achiona zvakaita kuti nditi muzvare Melody ndivati vauye Vega kusangana nevanhu vovapa vega pajekerere, vaenderera mberi vakati zvikafamba zvakanaka ndichaenda kunemamwe matunhu ndichibatsira”
Moblin Kanhenga anova chairwoman non ward Council Racheal Mushore vapawo kutenda zvikuru kuchiitiko ichi, madzisabhuku vakumbirawo kuti pavanouya nguva inotevera tinokumbirawo kuti muwedzere huhwandu hwevanhu vamuchabatsira.
Vanorarama nehurema, vachembera ava vabatsirwa nesipo yekuwacha,sugar,cooking oil,hupfu,salt pamwe nemari pamunhu wega wega.
Honorable Chinodakufa vapendera vachiti pasi nenzara,uye vashoropodza vanoita zvemitoriro kana kuti zvinodhaka semadrugs.

33 Comments
Comments are closed.